Pisarema 127
Rwiyo rworwendo rwaSoromoni.
Kana Jehovha asingavaki imba,
vavaki vayo vanoshandira pasina.
Kana Jehovha asingachengeti guta,
varindi vanomira vakarinda pasina.
Hazvina maturo kumuka mangwanani
nokunonoka kuvata,
uchitambudzikira zvokudya,
nokuti anopa hope kuna vaanoda.
 
Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,
vana mubayiro unobva kwaari.
Semiseve mumaoko emhare
ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.
Akaropafadzwa murume
ane goba rizere navo.
Havanganyadziswi
pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.