Pisarema 128
Rwiyo rworwendo.
Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,
vanofamba munzira dzake.
Uchadya chibereko chokushanda kwako;
maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.
Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,
pakati peimba yako;
vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,
vakakomberedza tafura yako.
Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa,
anotya Jehovha.
 
Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni,
mazuva ose oupenyu hwenyu;
muone henyu kubudirira kweJerusarema,
uye murarame kuti muone vana vavana venyu.
 
Rugare ngaruve pana Israeri.