Pisarema 129
Rwiyo rworwendo.
Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,
Israeri ngaati,
“Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,
asi havana kundikunda.
Varimi vakarima musana wangu
vakaita miforo yavo mirefu.”
Asi Jehovha akarurama,
akandisunungura pamabote avakaipa.
 
Vose vanovenga Zioni
ngavadzorerwe shure nenyadzi.
Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba,
hunooma husati hwakura;
mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo,
uye anounganidza haangazadzi maoko ake.
Vanopfuura nepo ngavarege kuti,
“Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako;
tinokuropafadza muzita raJehovha.”