Pisarema 142
Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero.
Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha;
ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha.
Ndinodurura kugununʼuna kwangu pamberi pake;
ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake.
 
Mweya wangu paunoziya mandiri,
imi ndimi munoziva nzira yangu.
Munzira mandinofamba,
vanhu vakandivanzira misungo.
Tarirai kurudyi rwangu mugoona;
hakuna ane hanya neni.
Handina utiziro;
hakuna ane hanya noupenyu hwangu.
 
Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti,
“Ndimi utiziro hwangu,
nomugove wangu munyika yavapenyu.”
Teererai kuchema kwangu,
nokuti ndiri pakushayiwa kukuru;
ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa,
nokuti vanondikurira simba.
Ndibudisei mutorongo,
kuti ndirumbidze zita renyu.
 
Ipapo vakarurama vachandipoteredza
nokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.