Pisarema 3
Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake.
Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei!
Vakawanda sei vanondimukira!
Vazhinji vanoti kwandiri,
“Mwari haangamudzikinuri.”
Sera
 
Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza;
munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.
Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru,
uye anondipindura ari pagomo rake dzvene.
Sera
 
Ndinovata pasi ndigokotsira;
ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.
Handizotyi makumi ezviuru
vakandikomba kuti vandirwise.
 
Simukai, imi Jehovha!
Ndirwirei, imi Mwari wangu!
Rovai vavengi vangu vose pashaya;
gurai meno avakaipa.
 
Rusununguko runobva kuna Jehovha.
Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu.
Sera