Pisarema 4
Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.
Ndipindurei pandinodana kwamuri,
imi Mwari wangu makarurama.
Ndisunungurei pakutambudzika kwangu;
ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.
 
Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko?
Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko?
Sera
Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda;
Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.
 
Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza;
pamunenge muri pamibhedha yenyu,
nzverai mwoyo yenyu uye munyarare.
Sera
Ipai zvibayiro zvakarurama
uye muvimbe naJehovha.
 
Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?”
Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.
Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru
kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.
 
Ndichavata pasi ndigokotsira norugare,
nokuti imi moga, Jehovha,
munoita kuti ndigare pakasimba.