Pisarema 5
Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi.
Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha.
Rangarirai chikumbiro changu.
Teererai inzwi rokuchema kwangu,
Mambo wangu naMwari wangu,
nokuti ndinonyengetera kwamuri.
 
Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha;
mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu
uye ndichimirira netariro.
 
Imi hamusi Mwari anofarira zvakaipa;
munhu akaipa haangagari nemi.
Munhu anozvikudza haangamiri pamberi penyu;
munovenga vose vanoita zvakaipa.
Munoparadza vose vanoreva nhema;
vanoteura ropa navanhu vanonyengera,
Jehovha anovasema.
 
Asi ini, nenyasha dzenyu huru,
ndichapinda mumba menyu;
norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu,
ndakatarira kutemberi yenyu tsvene.
Nditungamirirei, imi Jehovha,
mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu,
ruramisai nzira yenyu pamberi pangu.
 
Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro;
mwoyo yavo izere nokuparadza.
Huro dzavo iguva rakashama;
vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo.
10 Haiwa Mwari, vapei mhosva!
Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo.
Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji,
nokuti vakakumukirai.
 
11 Asi vose vanovanda mamuri ngavafare;
ngavagare vachiimba nomufaro.
Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu,
kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri.
12 Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama;
munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo.