Pisarema 6
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.
Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu,
kana kundiranga muhasha dzenyu.
Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya;
haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.
Mweya wangu uri kurwadziwa.
Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?
 
Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira;
ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.
Hakuna anokurangarirai kana afa.
Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?
 
Ndaneta nokugomera;
ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose,
ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.
Meso angu aneta nokuchema;
haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.
 
Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa,
nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.
Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha;
Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.
10 Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa;
vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.