Pisarema 57
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakatiza kubva kuna Sauro akapinda mubako.
Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni,
nokuti mweya wangu unovanda mamuri.
Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu,
kusvikira njodzi yapfuura.
 
Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro,
kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri.
Anotuma kubva kudenga agondiponesa,
achituka vaya vanondidzingirira nehasha;
Sera
Mwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake.
 
Ndiri pakati peshumba;
ndinovata pakati pemhuka dzinokara,
ivo vanhu vane meno amapfumo nemiseve,
vane ndimi dzinopinza seminondo.
 
Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga;
kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
Sera
 
Vanowaririra tsoka dzangu mimbure,
ndakakotamiswa pasi nenhamo.
Vakachera gomba panzira yangu,
asi vakawiramo vamene.
Sera
 
Mwoyo wangu wakasimba, Mwari wangu,
mwoyo wangu wakasimba;
ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.
Chimuka iwe mweya wangu!
Mukai imi mutengeranwa nembira!
Ini ndichamutsa mambakwedza.
 
Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi;
ndichakuimbirai pakati pamarudzi.
10 Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga;
kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro.
 
11 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga;
kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.