Pisarema 58
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami.
Ko, imi vatongi munotaura mukururama here?
Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?
Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu,
uye maoko enyu anomanikidza panyika.
 
Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka;
kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.
Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka,
vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,
isingateereri maimbiro enʼanga
kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.
 
Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari;
bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!
Ngavatsakatike semvura yapera kuerera;
pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.
Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba,
kufanana negavamwedzi, ngavarege kuona zuva.
 
Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto,
ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.
10 Vakarurama vachafara pavachatsivirwa,
pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.
11 Ipapo vanhu vachati,
“Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro;
zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”